2 Samuel 22

Rwiyo rwaDhavhidhi rwoKurumbidza

1Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. 2Akati:

“Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu uye mununuri wangu;
3Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari,
nhoo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu.
Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu,
munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba.
4Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa,
uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.

5“Mafungu orufu akandikomba;
mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.
6Mabote eguva akandimonera;
misungo yorufu yakandivinga.
7Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;
ndakadanidzira kuna Mwari wangu.
Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake;
kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.

8“Nyika yakadedera uye ikazungunuka,
nheyo dzokudenga dzakadengenyeka;
dzakadedera nokuti akanga atsamwa.
9Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake;
moto unoparadza wakabuda mumuromo make,
mazimbe anopisa akapfutamo.
10Akakamura matenga akaburuka pasi;
makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
11Akatasva makerubhi akabhururuka;
akabhururuka mudenga denga pamapapiro emhepo.
12Akaita kuti rima rimupoteredze setende,
iwo makore matema emvura yokudenga.
13Kubva pakupenya kwokuvapo kwake
mabhananʼana emheni akapenya.
14Jehovha akatinhira ari kudenga;
inzwi reWokumusoro-soro rakanzwikazve.
15Akapfura miseve akaparadzira vavengi,
mabhananʼana emheni akavaparadza.
16Mipata yegungwa yakaiswa pachena
uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena
nokutuka kwaJehovha,
nokufema kwomweya wemhino dzake.

17“Akatambanudza ruoko ari kudenga akandibata;
akandibudisa kubva pamvura yakadzika.
18Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba,
kubva kuvavengi, vakanga vachindikurira pasimba.
19Vakandivinga muzuva renjodzi yangu,
asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
20Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana;
akandinunura nokuti akanga achindifarira.

21“Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu;
maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.
22Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;
handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.
23Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;
handina kutsauka kubva pamitemo yake.
24Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake,
uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.
25Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu,
maererano nokuchema kwangu pamberi pake.

26“Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,
kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
27kune vakachena munozviratidza makachena,
asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.
28Munoponesa vanozvininipisa,
asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze.
29Imi muri mwenje wangu, Jehovha;
Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza.
30Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa neboka ravarwi;
naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.

31“Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo;

shoko raJehovha harina charingapomerwa.
Ndiye nhoo
yavose vanovanda maari.
32Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha?
Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
33NdiMwari anondishongedza nesimba
uye anoruramisa nzira yangu.
34Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo;
anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
35Anodzidzisa maoko angu kurwa;
maoko angu anowembura uta hwendarira.
36Munondipa nhoo yenyu yokukunda,
munokotamira pasi kuti mundikurise.
37Munotambanudza nzira pasi pangu,
kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka.

38“Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza;
handina kudzoka kusvikira vaparadzwa.
39Ndakavaparadza zvachose,
uye havana kugona kumuka; vakawira pasi petsoka dzangu.
40Makandishongedza nesimba rokurwa;
makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu.
41Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa,
uye ndakaparadza vavengi vangu.
42Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa,
kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura.
43Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika;
ndakavatswa uye ndikavatsika sedope riri munzira dzomumusha.

44“Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu;
makandichengetedza somutungamiri wendudzi.
Vanhu vandakanga ndisingazivi vava pasi pangu.
45Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera,
pavanongondinzwa vanonditeerera.
46Vose vanoora mwoyo;
vanouya vachidedera kubva panhare dzavo.

47“Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!
Ngaakudzwe Mwari, iye Dombo, Muponesi wangu!
48Ndiye Mwari anonditsivira,
anoisa ndudzi pasi pangu,
49anondisunungura kubva kuvavengi vangu.
Imi makandikudza pamusoro pavavengi vangu;
kubva kuvanhu vanoita nechisimba, makandinunura.
50Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi;
ndicharumbidza zita renyu nenziyo.

51“Iye anopa mambo wake kukunda kukuru;
anoratidza unyoro hwake kumuzodziwa wake,
kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokusingaperi.”
Copyright information for SnaBDSC